11 Vana Vane 16yrs Vamitiswa

Vana 11 vane 16 years kubva ku Mt Hampden vatumise nyika kushamisika mushure mekuburitswa kwenhau yekuti vese vakawanikwa vakamitiswa panguva imwechete, zvichinzi zvakakonzerwa nekushandiswa chibharo, kushaya kutarisirwa uye kutorerwa mukana nevanhu vakuru vari munharaunda.

 

Zvinonzi vamwe vevana ava vakaitiswa zvebonde vachivimbiswa zvinhu zvidiki, asi zviri pachena kuti hupenyu hwavo hwakanganisika zvachose. Nyaya yava kuferefetwa nemapurisa, uye masangano anochengetedza vana ari kukurudzira kuti vana ava vapihwe rubatsiro rwepfungwa pamwe nekuchengetedzwa sezvo nyaya iyi yanyanyisa kuratidza kuparara kwechitendero, tsika uye kuchengetedzwa kwevana muMt Hampden.

  • Share: