High-level Close To Round About Murume Orumwa

This is really sad💔 | Ndakasanganawo nedambudziko. Murume wangu akarumwa nembwa maPitbulls paRoundabout yepaHighglen apo panoitwa zvemaTank emvura. Anga achipfuura achibva kubasa musiwe Friday last week iyo.

 

 

 

 

Saturday takazopfuura nepo tichibva kuHarare hospital kuchipatara tichivaudza kuti imbwan dzenyu dzakaruma munhu but paive nevashandi vakati tichaudza murungu haapo. Akafonerwa murungu wacho akati tofona Sunday tisangane. Till now haasati atifonera. 

 

 

 

 

Saka takazonovhurisa Docket taona munhu aramba ari zii paGlennorah Police vakati ivo endai paBudiriro 2 ndipo panofanira kuitirwa nyaya yenyu. Takazoenda nemupurisa wepaBudiriro pakarumirwa munhu pacho akapihwa nhamba dzemurungu vakataurirana nemupurisa asi isu zvakataurwa hatina kuzvinzwa. Akazongoti munhu wacho achauya paPolice kusvika nazvino hatina help yatati tawana nemupurisa uya. Akangoti zii nanhasi, apa munhu akakuvara zvakanyanya.

 

 

  • Share: