Mapfupa emunhu akafa owanikwa Pa Ezekiel Guti University Bindura

*Mapfupa emunhu akafa owanikwa pedyo neTimsite neZegu*

 

_NaTabeth John_

 

Muchiitiko chinotyisa nekusuwisa zvikuru chasiya vagari vemuBindura vakabatira hura mumaoko mumwe murume akawaona mapfupa emunhu mumunda wake apo iye akanga ari mubishi mekusosa .

 

 

 

 

Patrick Musa uyo ane makore makumi mana nemapfumbamwe (49) wekuChiwaridzo akanga ari pakati pekukura munda wake uyo uri pedyo neEzekiel Guti University ndokuona shura rakamuvhundutsa rakanga riri pakati pemunda, mapfupa emunhu.

 

Panzvimbo yakanga ine mapfupa pachiratidza kuti pakamboita moto sezvo pakanga pakatsva.

 

Musa haana kumira akabva amhanya kuno mhan'ara kumapurisa echiwaridzo avo vakazonoona pakanga pane mapfupa ndokutakura vachinomaisa 

 

 

 

 

 

Vakasanobata chigaro chemutauriri wemapurisa Assistant Inspector Lucy Chigwenhese vakurudzira veruzhinji avo vari kushaya hama yavo kana avo vangaite ruzivo nezvekufa kwemunhu uyu kuti vamhan'are kumapurisa ari pedyo navo.

 

_Zimquik News_

  • Share: