Mukomana Aburuka MuWheel Chair Akazvizora Flour Kuti Apihwe GD6

Zvakashamisa vanhu paSocial Media apo mukomana ane hurema akaburuka muwheelchair ake ndokuzvizora flour kubva musoro kusvika kumakumbo achida kukopa maitiro aDJ Towers akambopihwa mota yeGD6 naSir Wicknell. Mukomana uyu akaonekwa achimhanya nemufaro kunge munhu akangoporeswa, achishevedzera nezwi guru achiti “Tagai Sir Wicknell!” vanhu vakabva vatanga kutora mavhidhiyo uye kuposta paTikTok neX zvichibva zvaputika sezuro nemoto.

 

Vanhu vakawanda vakatanga kumutag-a paX vachinyora vachiti, “Sir Wicknell bless mukomana uyu” vachida kuti munhu ane moyo murefu wemablessings avape zvakare chikomborero chemota sezvakamboitika kuna DJ Towers. Vamwe vakati chiitiko ichi chakavaratidza kuti vanhu vari kuita zvinhu zvose kuti vatariswe naSir Wicknell, achinzi ndiye “Baba veGD6”. Zvino vanhu vari kumirira kuona kana Sir Wicknell achazopindura uye kupa mukomana uyu chipo chikuru kana kuti achange ari chiitiko chekunakidzwa chete paSocial Media. 

  • Share: