More details on the story yemwana wekudyiwa nembwa kuDarwendale. Muridzi webwa idzi anonzi Takawira Billjonh Magede. Akavhurira ibwa dzake ibwa idzi dziripo 4 dzakabva dzaenda kuGround rebhora kwaitambira vana bhora. Vana pavakadziona ndokutiza dzakabva dzabata Shelton vamwe vakatiza. Ndivo vakazotaura kuti Shelton anga achirumwa nebwa dzaMagede but I think kut imbwa idzi padzakaruma dzaiva nemunhu. Mwana akatanga kusvagwa kubva kuma6pm akawanikwa kuma 9pm.
Vanhu kwakunotora Police. Police yakaenda kumba kwemuridzi wembwa vachingosvika apapo mupurisa akabva apihwa fon nemuridzi webwa kwakuti taura nemunhu ari pafon. Mupurisa uyu akabva aisa fon paLoud speaker coz aitocha vanhu coz pakanga pane vanhu vakawanda akatotadza kuenda pa side chaipo munhu uye kwakubvunza kut waenda pako wega here iye kwakuti ehe. Munhu uye kwakutanga kuvhundutsira mupurisa uye akataura zvaaitaura iye akanyarara vanhu vese vachinzwa. Police yakazotora ibwa dziye neBody yemwana ndokuenda yayo kumochari.
Chimwe chinhu imbwa idzi dzaipedza mbudzi dzevanhu. Muridzi wachi aiti akaona mbudzi kudhuze nekumba kwake anobva avhura ibwa dzobata dzodya so ibwa idzi dzajaira kuti pese paanodzivhurira dzinosvaga chekubata ende dzakabata mbudzi aharipe zvinongopera zvakadaro.