Muimbi ane mukurumbira Andy Muridzo ave kufadza maSocials mushure mekubuda nyaya yekuti akaramba kumanikidzwa kuimba kana kuposta zvema slogans zveZANU PF Vision 2030 pachiitiko chaakakokwa. Vepedyo vakati Muridzo akatsika madziro achiti haasi kuzobatanidzwa munyaya dzezvematongerwo enyika sezvo basa rake riri rekutambira vanhu kwete kuzoshandiswa seposter rezvemativi. Inyaya yakurudzira kupopota paX neFacebook, vamwe vachimukudza semunhu akamira pachokwadi, vamwe vachiti zvine ngozi kuramba zvinhu zvakadai. Zvinoita sekuti drama iri kungotanga sezvo vanhu vakawanda vave kuda kunzwa kubva kumurume wacho iye pachake!