Kae Chaps naStunner Vakaita Show Ine Vanhu 13 kuBirmingham

Nezuro manheru, maZim hip-hop legends Kae Chaps na Stunner vakaita show ku Birmingham, UK, asi chakashamisa ndechekuti vanhu vangangosvika 13 chete ndivo vakauya kuzovatarisa. Vamwe varikuti promoter haana kushambadza show zvakanaka, vamwe vachiti mafans eUK vari kuda maartists matsva ane fresh sound.

 

Vateveri veZim music vakatora nyaya iyi pa social media vachiti “musadaro ma legends edu” nekuti Stunner na Kae Chaps vakabatsira kuvhura nzira yemazhinji ari kubuda nhasi. Vamwe vakati zvinosuruvarisa kuona talent yakadai ichishaya support. Zvino nyaya iyi yava trending paTikTok neX pasi pe hashtag #SupportZimMusic ne #Stunner #KaeChaps. ??

 

  • Share: