Mudzimai arumwa nechinyavada chakabereka vana 5 kumusana . . . zvose zvanyangarika mushure mekuzviuraya

Mudzimai arumwa nechinyavada chakabereka vana 5 kumusana . . . zvose zvanyangarika mushure mekuzviuraya

MUDZIMAI ane makore 41 okuberekwa anogara kwaFrazer kuUshewokunze, muHarare omera maziduzu mushure mekurumwa nezirize kana kuti chinyavada icho chaanoti chaiva chakabereka vana vashanu kumusana.

Mai Cynthia Tanana, avo kumusha vanobva kuChadereka kwaMambo Kasekete kuMuzarabani, kuMashonaland Central, vanoti vakarumwa nezirize iro vakazouraya nekutswanya nekurova nekii  pamwechete nevana varo vachibva vaavharira mumugomo waiva nemvura mukati.

 

 

 

 

Asi vanoti rechimangwana racho vakazoona marize aya asisimo mumugomo umo vainge vaavharira.

“Svondo rakapera paseri, ndaiva ndirere mumba mangu ndoga apo ndakatanga ndabvisa mamwe magumbeze ose sezvo kwaipisa ndokufuga sheet chete. Kuma11 usiku, ndakanzwa kurumwa muhapwa ndokumuka ndikazovhura pasi pepiro ndikaona zirize riya ratinoti chinyavada rakabereka vana varo vashanu kumusana. Ndakarizunza rikawira pasi ndikabva ndaripwanya nekii rikafa zvose nevana vacho. Ndapedza, ndakatora marize aya ndikaakanda mumugomo waiva nemvura ndikavhara kuitira kuti rechimangwana acho ndizoapisa uye ndozvitemera sezvo zvichinzi ndiko kuzvirapa kana warumwa nerize,” vanodaro Mai Tanana.

 

 

 

 

Vanoti rechimangwana acho vakashamiswa nekushaya marize aya sezvo vakange vakavhara zvekuti hapana paaigona kubuda napo.Kubva ipapo, ndakabva ndatanga kunzwa kupiswa uyewo moyo wangu wava kurwadza zvakare. Ndave kumera maziduzu muhapwa nekudziuka maronda anobuda hurwa. Ndakaenda kuchipatara uko ndakabaiwa majekiseni asi dambudziko rekurwadziwa harisi kupera,” vanodaro Mai Tanana.

Vanoti kwavari kufamba kuchivanhu nekumaporofita vari kutaurirwa kuti marize aya ndeemasaramusi.

 

 

 

 

“Ndakaenda kwakawanda ndichibvunzira ndikataurirwa kuti marize aya ndeehuroyi uyewo ndakanzi ndaiona semarize iwo asiri. Izvozvi mabhonzo angu ndava kunzwa kurwadza, kudivi kweruoko rwakarumwa kwava kugara kuine chiveve. Honai ruoko urwu rwakasviba nekuda kwekurumwa uku,” vanodaro Mai Tanana.

Mudzimai uyu, uyo anova shirikadzi mushure mekufirwa nemurume achipondwa mugore ra2010, anoti anorarama nekuita maricho kuchengeta vana vake vatatu avo vave kutadza kuenda kuchikoro.

“Semunhu anoita basa rekuwachira vanhu muno uyewo nemabasa emaricho akasiyana, handichakwanisa kuita basa iri nekuda kwekurwadza kweruoko rwangu rwakazvimba uyewo musoro wave kuzvimba zvekare,” vanodaro Mai Tanana.

 

 

 

 

Vanoti vanotemwa nemusoro zvekutadza kurara usiku uye vari kushaya mari yekutengesa mishonga yekuti vanopedzisa kubaiwa majekiseni sezvo pari kudiwa US$9 pajekiseni rimwechete.

“Vabereki vangu vose vakashaika, handina anogona kundibatsira uyewo kumusha kwemurume wangu ndakadzingwa pandakaramba kugarwa nhaka ndikanzi nditakure vana vangu vose. Magwaro ekuzvarwa kwevana murume wangu akafa asina kuvatoresa kureva kuti vana havana magwaro izvozvi, saka pahurwere uhwu hapana wandinotaurira,” vanodaro Mai Tanana.

 

 

 

 

 

Mudzimai uyu anoti dai akwaniswa kurapwa agona kushandira mhuri yake.

Mai Tanana vanotiwo vakaita zvidzidzo zvehuNurse Aid.

“Pasipoti ndinayo yekuti ndipote ndichibuda kunze kunohodha zvinhu ndichitengesa. Dai ndagona kurapwa kunyangwe kuchivanhu kana kumaporofita nekumachiremba akadzidzira basa, ndakwanisa kuraramisa mhuri yangu,” vanodaro Mai Tanana.

  • Share: