Pliz hide me kana moPoster. Pick n Pay, kunyanya vepaAspindale, vakadzinga maTill operator 12 at the same time. Mhosva ichinzi makaita fraud. Fraud yacho ndeyekuti maisiirwa mari nemaCustomer musingataure, apa mari dzacho maCents. Vazhinji vakadzingirwa ma20 cents chaiwo. So vaiForcer vashandi kuti unoto resigner or woendeswa kuPolice. MaResignation letter akanyorwa under duress.
Chinonetsa ndechekuti manager aripo naAssistant wake vese vanyowani, saka vakadzinga most of the old staff, vakasiya vavo wavakanga vapinza basa. Even though vaingoitawo zvekusiirwa mari asi havana kuvadzinga basa.
Again, pane issue yemusikana aiva ari pregnant. Saka kwaaishandira aiswera akamira; akakumbira kuchinjwa, vakaramba. BP yake yaikwira, akazo admitwa, akaitwa operation, unfortunately mwana akazoshaya.
Tibatsireiwo, manager uyu wepaAspindale naAssistant wake vabate vashandi zvakanaka. Kudzinga vashandi basa varegedze, nekuti havazive maSituations anenge aine vanhu.