Thursday, May 02

Zvinoshamisa Zvinotyisa Madzibaba Bond WekuChitungwiza Oda Kuuraya Kingstone Mapupu Weku Star Fm

Madzibaba Bond wekuChitungwiza – uyo ava kuzviti Dr Bond, pamwe achimbozviti isvikiro raChaminuka – abura imwe itsva. Hanzi ndinoda kukuuraya . . .

 

 

 

 

 

Mushure mekubuda panhepfenyuro yeStar FM manheru emusi weChipiri achiti akanyeberwa neKwayedza panyaya yake yekunozvipira kumapurisa ekwaZiko, kwaSeke – inova nyaya yakatotsinhirwa ipapo nemapurisa – nezuro akazotsvagwa nebepanhau rino kuti ajekese nyaya iyi.

 

 

 

 

 

 

Pekutanga akabvuma kuonekwa, asi ndokushaikwa panzvimbo yaainge awirirana nevatori venhau iri kuChitungwiza. Akazofona zuva rovira achidya marasha apo akavimbisa kuuraya nemishonga mutori wenhau

 

 

 

 

 

 

Kingstone Mapupu “zvese nevakuru vako” ndokuti anoda kupedza Kwayedza yose. Inzwai zvimwe zvaanotaura . . .

  • Share: