Thursday, May 02

Zvinotyisa Zvinoshamisa Muzimbabwe Hurombwa Chitunha Ku Mt Darwin Chogara Padara 3 Days Varamba Kuviga Voti Hachinhuwi

Dzimwe tsika soo . . .

 

 

 

Munyaya inoshamisa iyo tava pedyo kuwana zvizere, kune chitunha chemurume watisati taziva mafiro ake, icho chakatorwa nehama dzake dzepedyo – ndokunochiturika padara rakavakwa nemapango musango apo

 

 

 

 

 

 

chiri kurohwa nezuva rekuMt Darwin, vachiti vari kuda kuti chitange chawora, chodonha honye nedzimwe nyama dzose, ivo vozongotora mapfupa anenge asara ayo avachazonoviga zvine mutsigo kune imwewo nzvimbo.

 

 

 

 

 

 

Nhasi chasvitsa zuva rechitatu chiri mudondo umu, uye hama dzacho dzadzokera dzikanowana chiripo – chisina kana kubatwa batwa nezvikara zvesango kana nemagora azere ikoko.

 

 

 

 

 

 

Chitunha ichi hachisati chatanga kukanda mweya. Mambo Chiswiti vatsinhira nyaya iyi. Kwayedza iriko ikoko uye nyaya yacho tinokupai kana tanyatsova nayo yese . . .

  • Share: